Chibage (maize or corn in English) chinorimwa kuno kuchamhembe kweAfrica kwachinova ndicho kudya kunodyiwa mazuva mazhinji neruzhinji rwemhuri dziri kuno. Chibage chizhinji chinogayiwa kuita hupfu chodyiwa seSadza; chimwewo ndicho chinogochewa; kukangiwa nokubika manhuchu nemangayi.
Mamwe mazita anoreva chibage ndeaya: mabarwe, chibere, mabagwe, bonore kana mabonore.
- Kawawa imhando yechibage inoshandiswa kukanga popcorn.
- Butu, mabutu, mbwizhu kana guva (bran of grain - stamped or milled). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Ruguva?
- Chibage musikana akashata pachiso... Muenzaniso, Fadzai chibage.
- Gwere kana magwere (Maize, mealies) zvinoreva chibage. Izwi rokuti gwere rinokwanisa kureva muguri wese wechibage kana tsanga imwe.
- Tsuri kana nhungo (Maize seedling).
- Buro (heap of threshed grain) apa kureva murwi wechibage chakapurwa kana kutonongorwa.
- Mudede zvinoreva chibage chinyoro chave kuda kusvika pakusimba kwekuti chidyiwe.
- Dzadza kana madzadza (young green mealie nearly mature) zvichireva mudede.
- Muchekechera, ngara, kana ngarara - apa kureva mupunga wechibage.
Chibage ndiMabrijo
Munhu akashata