Chitendero

Chitendero izwi rinoshandiswa kududza tsika yevanhu yekunge vane wavanonamata kana chavanonamata samwari wavo. Kune zvitendero zvizhinji Pasirose zvinosanganisira:

  • ChiKristu - ava vanhu vanonamata Mwari akasika denga nenyika vachitenda kuti akatuma mwanakomana wake Jesu Kristu pano panyika kuti ave chibayiro chokuregererwa kwezvivi zvavanhu.
  • Islam - ava vanhu vanotenda kuna Allah wavanoti akatuma mutumwa wake anonzi Mahommed.
  • Buddhah - ichi chitendero chinonamata Buddhah chinowanikwa kunyika dziri kumabvazuva kweAsia.
  • ChiJudah - ichi chinamato cherudzi rwemaJudah vanotenda kuna Mwari akasika denga nenyika, iyeyu Mwari mumwechete neuyo anonamatwa nemaKristu asi maJudah havatendi kuna Jesu Kristu.

© MMXXIII Rich X Search. We shall prevail. All rights reserved. Rich X Search