Vajudha

Vajudha (muChihebheru: יְהוּדִים, Yehudim) kana Vayehudha rudzi rwevanhu vane madzitateguru akabva kunyika ye Isiraeri / Yisiraeri vari vanhu vakazvarwa nevanakomana gumi nevaviri vaYakobho (kana Jakove uye Jakobho). Nhoroondo yerudzi urwu inotevedza madzibaba avo ane mazita akanyorwa muBhaibheri vanoti: Abarahama; Aseka; na Yakobho. Abarahama na Sara vakazvara mwanakomana anonzi Aseka uyo akazvarwa mumakore ekunge vose vakwegura. Uku kwakanga kuri kuzadziswa kwechivimbiso chaMwari pavakataura naAbarahama vachiti uchava nemwanakomana kuburikidza nomudzimai wako Sara. Mwari vakaitawo zvimwe zvitsidzo kuna Abarahama zvinosanganisira: kuti huwandu hwevana vake huchawanda sejecha riri pamhenderedzo yegungwa; kuti Mwari vachapa nyika yeKenani kuna Abarahama nevana vake vaizotevera shure kwake; kuti Mwari vacharopafadza vana vaAbarahama zita ravo rikaita mukurumbira; kuti avo vanoropafadza vana vechipikirwa vaAbarahama navowo vacharopafadzwa; kuti avo vanotuka vana vaAbarahama navowo vachatukwa.

Vamwe vanoti Juta/Vajuta uye Majuta pamwe ndipo panobva zita uye zita remhuri rekuti: Majuta


© MMXXIII Rich X Search. We shall prevail. All rights reserved. Rich X Search